Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 22:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Wakanyima mvura vasina simba uye wakanyima vane nzara zvokudya,

8. kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane nyika yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.

9. Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna maoko enherera.

10. Ndokusaka misungo yakakukomberedza, sei kutambudzika pakarepo kuchivhundutsa,

11. sei kuine rima usingakwanisi kuona, uye sei mafashamu emvura achikufukidza.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 22