Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 21:27-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amunondikanganisa nawo.

28. Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’

29. Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nokuzvidavirira kwavo here,

30. zvokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?

31. Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko ano muripira pane zvaakaita?

32. Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.

33. Ivhu romumupata rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.

34. “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 21