Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 21:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa.

3. Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu.

4. “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?

5. Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko.

6. Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.

7. Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?

8. Vanoona vana vavo vachisimbiswa vari pavari, navazukuru vavo pamberi pavo.

9. Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.

10. Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.

11. Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.

12. Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.

13. Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva murugare.

14. Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.

15. Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’

16. Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yavakaipa.

17. “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wavakaipa? Vanowirwa nenjodzi kanganiko?

18. Vanofanana namakoto anopepereswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?

19. Zvinonzi, “Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.” Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!

20. Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 21