Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 20:8-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.

9. Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve.

10. Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.

11. Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.

12. “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,

13. kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,

14. asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make.

15. Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.

16. Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya.

17. Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.

18. Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.

19. Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka.

20. “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.

21. Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.

22. Pakati pezvakawanda zvake, nhamo ichamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.

23. Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.

24. Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 20