24. Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.
25. Anoutumbura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
26. rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina kupfutidzwa uchamuparadza uye uchapedza zvakasara mutende rake.
27. Matenga achaisa pachena kuipa kwake; nyika ichamumukira.
28. Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji inoerera pazuva rehasha dzaMwari.
29. Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”