Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 15:8-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

9. Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

10. Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.

11. Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri?

12. Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko,

13. zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14. “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama?

15. Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

17. “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,

18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,

19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:

20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.

21. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.

22. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.

23. Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.

24. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 15