Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 15:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?

4. Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.

5. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7. “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

8. Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

9. Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

10. Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.

11. Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 15