Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 15:26-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.

27. “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,

28. iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.

29. Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.

30. Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.

31. Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pakupedzisira.

32. Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.

33. Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wotunga maruva awo.

34. Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.

35. Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 15