15. Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
17. “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
18. zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19. ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20. Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21. Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.
22. Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23. Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24. Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,
25. nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26. achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.