Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 15:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2. “Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?

3. Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?

4. Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.

5. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 15