Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 15:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:

2. “Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?

3. Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?

4. Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.

5. Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.

6. Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.

7. “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?

8. Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?

9. Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?

10. Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.

11. Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri?

12. Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko,

13. zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?

14. “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama?

15. Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,

16. ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 15