Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 13:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.

21. Bvisai ruoko rwenyu kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.

22. Ipapo mugondidana ndigodavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.

23. Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.

24. Munovanzireiko chiso chenyu muchindiita muvengi wenyu?

25. Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?

26. Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.

27. Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.

28. “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 13