Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 13:15-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye, zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.

16. Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asingatendi Mwari achasvika pamberi pake!

17. Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.

18. Zvino ndagadzirisa mhaka yangu, ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.

19. Pana angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu,

20. “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.

21. Bvisai ruoko rwenyu kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.

22. Ipapo mugondidana ndigodavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.

23. Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.

24. Munovanzireiko chiso chenyu muchindiita muvengi wenyu?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 13