Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 13:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.

2. Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva handisi muduku kwamuri.

3. Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose nokuzvidavirira mhaka yangu kuna Mwari.

4. Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!

5. Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti kungava kungwara kwamuri.

6. Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.

7. Ko, mungataura, zvakaipa pachinzvimbo chaMwari here? Ko, mungataura zvinonyengera nokuda kwake here?

8. Mungamuitira rusaruro here? Mungarwira Mwari here?

9. Ko, zvingava zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?

10. Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.

11. Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?

12. Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.

13. “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.

14. Ko, ndinozviisirei mungozi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 13