Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 10:4-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5. Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,

6. kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu,

7. kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8. “Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here?

9. Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here?

10. Ko, hamuna kundidurura somukaka here nokundigwambisa sechizi,

11. mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

12. Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.

13. “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.

14. Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.

15. Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.

16. Kana ndikazvikudza, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.

17. Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.

18. Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 10