Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 10:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?

4. Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5. Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,

6. kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu,

7. kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8. “Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here?

9. Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here?

10. Ko, hamuna kundidurura somukaka here nokundigwambisa sechizi,

11. mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 10