Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 10:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?

12. Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.

13. “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.

14. Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.

15. Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.

16. Kana ndikazvikudza, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.

17. Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.

18. Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.

19. Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kutakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!

20. Ko, mazuva angu haasi ava mashoma kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,

21. ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri worufu,

22. kunyika yerima guru, yomumvuri mukuru worufu nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 10