Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura neshungu dzomwoyo wangu.

2. Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.

3. Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?

4. Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?

5. Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,

6. kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu,

7. kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?

8. “Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here?

9. Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 10