Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 1:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here?

10. Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yakatekeshera munyika yose.

11. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.”

12. Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.” Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha.

13. Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru,

14. nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedo,

15. vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”

16. Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 1