Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa.

2. Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu,

3. uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva.

4. Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo.

5. Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achivabayira chipiriso chinopiswa, mumwe nomumwe wavo achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.

6. Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo.

7. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.”

8. Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jobho 1