Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 9:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.

5. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa.

6. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavanatsa nokuvaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu?

8. Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomusoro wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kuno wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo.

9. Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?”

10. Ndichachema nokuungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda.

11. Ndichaita Jerusarema murwi wedongo, panogara makava; uye ndichaparadza maguta eJudha, kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”

12. Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?

13. Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo; havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu.

14. Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”

15. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 9