Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 9:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4. “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.

5. Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa.

6. Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavanatsa nokuvaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu?

8. Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomusoro wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kuno wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo.

9. Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 9