Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 52:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza.

5. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

6. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye.

7. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

8. Asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira,

9. uye iye akabatwa. Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.

10. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha.

11. Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.

12. Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

13. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 52