Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 52:18-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi.

19. Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha.

20. Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa.

21. Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namaserea pakureba uye makubhiti gumi namavirib pakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango.

22. Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanuc uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo.

23. Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana.

24. Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu.

25. Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

26. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

27. Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe. Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo.

28. Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa: mugore rechinomwe, zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha;

29. mugore regumi namasere raNebhukadhinezari, mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema;

30. mugore rake ramakumi maviri namatatu, vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo. Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete.

31. Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 52