Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 52:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhuna.

2. Iye akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi.

3. Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

4. Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza.

5. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

6. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye.

7. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

8. Asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira,

9. uye iye akabatwa. Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.

10. Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 52