Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:48-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vachabva nechokumusoro vaparadzi vacharirwisa,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

49. “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri, sezvakaita vakaurayiwa venyika yose vakawa nokuda kweBhabhironi.

50. Imi makapunyuka pamunondo, endai uye musamira-mira! Murangarire Jehovha munyika iri kure, uye murangarire Jerusarema.”

51. Takanyadziswa, nokuti takatukwa uye kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”

52. “Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatonga zvifananidzo zvaro, uye munyika yake yose vakakuvara vachagomera.

53. Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga, uye rikasimbisa nhare yaro yakareba, ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

54. “Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi, inzwi rokuparadza kukuru rinobva kunyika yavaBhabhironi.

55. Jehovha achaparadza Bhabhironi; achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro. Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji; kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwika.

56. Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi; varwi varo vachabatwa, uye uta hwavo huchavhunwa. Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva; achatsiva zvizere.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51