Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:47-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.

48. Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vachabva nechokumusoro vaparadzi vacharirwisa,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

49. “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri, sezvakaita vakaurayiwa venyika yose vakawa nokuda kweBhabhironi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51