Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:40-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondohwe nembudzi.

41. “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi!

42. Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi; mafunga aro anovirima acharifukidza.

43. Maguta aro achaparadzwa, achava nyika yakaoma negwenga, nyika isingagarwi nomunhu, isina angapfuura nemairi.

44. Ndicharanga Bheri muBhabhironi ndigomuita kuti asvipe zvaakanga amedza. Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari. Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.

45. “Budai mariri, imi vanhu vangu! Tizai noupenyu hwenyu! Tizai mubve pakutsamwa kwaJehovha kunotyisa.

46. Regai kuora mwoyo kana kutya panotekeshera, runyerekupe munyika; rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya, runyerekupe rwokurwisana munyika uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi.

47. Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51