Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:37-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo.

38. Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki, vanobhon'a sembwanana dzeshumba.

39. Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

40. “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondohwe nembudzi.

41. “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi!

42. Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi; mafunga aro anovirima acharifukidza.

43. Maguta aro achaparadzwa, achava nyika yakaoma negwenga, nyika isingagarwi nomunhu, isina angapfuura nemairi.

44. Ndicharanga Bheri muBhabhironi ndigomuita kuti asvipe zvaakanga amedza. Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari. Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51