Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:34-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, ipapo akatisvisvina.

35. Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,” ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni. Jerusarema rinoti, “Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”

36. Naizvozvo, zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu nokukutsivirai; ndichapwisa gungwa raro uye ndichapwisa matsime aro.

37. Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo.

38. Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki, vanobhon'a sembwanana dzeshumba.

39. Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

40. “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondohwe nembudzi.

41. “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi!

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51