Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 51:19-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, pamwe chete norudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

20. “Ndiwe tsvimbo yangu yehondo, chombo changu chokurwa, newe ndinoparadza ndudzi, newe ndinoparadza umambo,

21. newe ndinoparadza bhiza nomutasvi, newe ndinoparadza ngoro nomuchairi,

22. newe ndinoparadza murume nomukadzi, newe ndinoparadza mutana nejaya, newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi,

23. newe ndinoparadza mufudzi neboka, newe ndinoparadza murimi nenzombe, newe ndinoparadza vatongi namachinda.

24. “Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

25. “Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza, iwe unoparadza nyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise, ndigokukungurusira kumawere, ndigokuita gomo rakatsva.

26. Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona, kana dombo remhepo, nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

27. “Simudzai mureza munyika! Ridzai hwamanda pakati pendudzi! Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye; kokai ushe uhu kuzorwa naye: Ararati, Mini neAshikenazi. Gadzai mukuru wehondo arwe naye; tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu.

28. Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye, madzimambo avaMedhia, vabati vavo namachinda avo ose, nenyika dzose dzavanotonga.

29. Nyika inodedera uye yomonyoroka, nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni, zvokuparadza nyika yeBhabhironi kuti pasava nomunhu achagaramo.

30. Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa; vakarambira munhare dzavo. Simba ravo rapera; vaita savakadzi. Ugaro hwake hwakapiswa nomoto; mazariro amasuo ake avhunika.

31. Anotumwa namagwaro achatevera mumwe, uye nhume ichatevera nhume, kundozivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rose rapambwa,

32. mazambuko abatwa, mapani apiswa nomoto, uye varwi vavhundutswa.”

33. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro panguva yokupura; nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”

34. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, ipapo akatisvisvina.

35. Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,” ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni. Jerusarema rinoti, “Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”

36. Naizvozvo, zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu nokukutsivirai; ndichapwisa gungwa raro uye ndichapwisa matsime aro.

37. Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 51