Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 5:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Pakati pavanhu vangu pana vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe. uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.

27. Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,

28. uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo. havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.

29. “Ko, handifaniri kuvaranga pane zvizvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 5