Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 5:22-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.

23. Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.

24. Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.

25. Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.

26. Pakati pavanhu vangu pana vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe. uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.

27. Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,

28. uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo. havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.

29. “Ko, handifaniri kuvaranga pane zvizvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?

30. “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika.

31. Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 5