Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 5:14-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.

15. “Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.

16. Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.

17. Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.

18. “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.

19. Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’

20. “Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti:

21. Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vana meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:

22. Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.

23. Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.

24. Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.

25. Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 5