Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 5:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.

2. Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.”

3. Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka.

4. Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo.

5. Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu.

6. Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.

7. “Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.

8. Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.

9. Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?

10. “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havazi vaJehovha.

11. Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12. Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 5