Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 49:22-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba, rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu ichafanana nomwoyo womukadzi worwadziwa.

23. Pamusoro peDhamasiko: “Hamati neAripadhi avhundutswa, nokuti agamuchira mashoko akaipa. Aora mwoyo, atambudzika segungwa risina zororo.

24. Dhamasiko harichina simba, rakatendeuka kuti ritize, kuvhunduka kukaribata; kugomera nokurwadziwa zvakaribata, kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

25. Guta rembiri harina kusiyiwa seiko, iro guta randinofarira?

26. Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa; varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

27. Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko; uchaparadza nhare dzose dzaBheniHadhadhi.”

28. Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi: Zvanzi naJehovha: “Simukai, murwise Kedhari uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.

29. Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’

30. “Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu.

31. “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo, rugere zvarwo rusina hanya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “irwo rudzi rusina masuo kana mazariro; vanhu varwo vanogara voga zvavo.

32. Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 49