Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 48:35-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Ndichaisa magumo muMoabhu, kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira, uye vanopisira zvinonhuwira kuna vamwari vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

36. “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu; unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti. Pfuma yavakawana yapera.

37. Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzakagurirwa; ruoko rumwe norumwe rwakagurwa, uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.

38. Pamusoro pamatenga ose eMoabhu napazvivara hakuna chiriko kunze kwokuchema, nokuti ndaputsa Moabhu sedende risina anorida,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

39. “Akoromorwa sei! Vaungudza sei! Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa! Moabhu ava chinhu chinosekwa, chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”

40. Zvanzi naJehovha, “Tarirai achabhururuka segondo, rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.

41. Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.

42. Moabhu ichaparadzwa serudzi nokuti yakazvidza Jehovha.

43. Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai, imi vanhu veMoabhu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

44. “Ani naani achatiza njodzi iyi achawira mugomba, ani naani achakwira achibuda mugomba, achabatwa mumusungo; nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu gore rokurangwa kwake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

45. “Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanomirapo vasina simba, nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni, murazvo pakati peSihoni; unopisa huma dzaMoabhu, misoro yavanozvikudza vemheremhere.

46. Une nhamo, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vaparara; vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa navanasikana vako muutapwa.

47. “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu pamazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 48