Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 48:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, neJahaza neMefaati,

22. KuDhibhoni, neNebho neBheti Dhibhirataimu,

23. kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,

24. kuKerioti neBhozira, nokumaguta ose eMoabhu ari kure naari pedyo.

25. Runyanga rweMoabhu rwagurwa; ruoko rwake rwavhunika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

26. “Itai kuti adhakwe, nokuti iye azvidza Jehovha. Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake; ngaave chinhu chinosekwa.

27. Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here? Ko, akabatwa ari pakati pembavha here, zvamunodzungudza musoro wenyu muchimushora pose pamunotaura nezvake?

28. Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo, imi mugere muMoabhu. Itai senjiva inovaka dendere rayo pamuromo webako.

29. “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu, manyawi nokudada kwavo kukuru uye kuzvikudza kwakanyanya, kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.

30. Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.

31. Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu, nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira, ndinochema varume veKiri Hareseti.

32. Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa.

33. Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 48