Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 46:21-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Varwi vanorwa kuti vapuwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachadzoka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, iyo nguva yokurangwa kwavo.

22. Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namasanhu, savarume vanotema miti.

23. Vachatemera masango aro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapinduki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.

24. Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”

25. Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.

26. Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

27. “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, navana vako kubva kunyika yeutapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.

28. Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 46