Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 46:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha:

3. “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa!

4. Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai panzvimbo yenyu makapfeka ngowani! Rodzai mapfumo enyu, Pfekai nguo dzenyu dzokurwa!

5. Ndinooneiko? Vavhunduswa, vari kudzokera shure, mhare dzavo dzakundwa. Vatiza nokukurumidza vasingacheuki, uye pano kutya kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

6. Vanogona kumhanya havangatizi, uye vakasimba havangapunyuki. Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi vanogumburwa vagowa.

7. Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi, senzizi dzamapopopo emvura?

8. Ijipiti yazara seNairi, senzizi dzamapopopo. Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika; ndichaparadza maguta navanhu vawo.

9. Virimai, imi mabhiza! Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro! Fambirai mberi, imi mhare, varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo, varume veRidhia vanowembura uta.

10. Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.

11. “Kwira kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana weIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 46