Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 44:20-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose, varume navakadzi, vakanga vachimupindura,

21. “Ko, Jehovha haana kurangarira here nokufunga pamusoro pezvinonhuwira zvaipiswa mumaguta eJudha nomunzira dzeJerusarema nemi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu uye navanhu venyika?

22. Jehovha akati haasisina mwoyo murefu pakuipa kwezviito zvenyu nezvinhu zvinonyangadza zvamakaita, nyika yenyu ikava chinhu chinotukwa uye nedongo risina anogaramo, sezvazvakaita nhasi.

23. Nokuda kwokuti makapisira zvinonhuwira uye makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera kana kutevera murayiro wake kana zvirevo zvake kana zvaakatema, njodzi iyi yaiswa pamusoro penyu sezvamunoona zvino.”

24. Ipapo Jeremia akati kuvanhu vose kusanganisira vakadzi, “Inzwai shoko raJehovha, imi vanhu vose veJudha vari muIjipiti.

25. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Imi navakadzi venyu maratidza nezviito zvenyu, zvamakavimbisa pamakati, ‘Zvirokwazvo mhiko dzedu dzatakapika tichadzizadzisa nokupisa zvinonhuwira uye nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna Mambokadzi woKudenga.’ “Endererai henyu mberi zvino, itai zvamakavimbisa! Chengetai mhiko dzenyu!

26. Asi inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munogara muIjipiti: ‘Ndinopika nezita rangu guru,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti hakuna anobva kuJudha agere papi napapi zvapo muIjipiti achadana zita rangu kana kupika achiti: “Zvirokwazvo naIshe Jehovha mupenyu,”

27. Nokuti ndinovarindira kuti ndivaitire zvakaipa kwete zvakanaka, vaJudha vari muIjipiti vachafa nomunondo uye nenzara kusvikira vose vaparadzwa.

28. Avo vachapukunyuka pamunondo vakadzokera kunyika yeJudha vachibva kuIjipiti vachava vashoma kwazvo. Ipapo vose vakasara vavaJudha vakauya kuzogara kuIjipiti vachaziva kuti shoko rinogara nderani, rangu kana ravo.

29. “ ‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri chokuti ndichakuranga panzvimbo ino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuitira kuti muzive kuti mashoko eyambiro yangu pamusoro penyu achamira zvirokwazvo.’

30. Zvanzi naJehovha: Ndiri kuisa Faro Hofira mambo weIjipiti mumaoko avavengi vake vanotsvaka kumuuraya, sezvandakaita Zedhekia mambo weJudha mumaoko aNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, iye muvengi akanga achitsvaka kumuuraya.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 44