Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 4:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.

8. Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri.

9. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mambo namachinda vachaora mwoyo, vaprista vachatyiwa, uye vaprofita vachanyangadzwa.”

10. Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”

11. Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingasarudzi kana kunatsa;

12. mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”

13. Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara!

14. Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?

15. Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.

16. “Zivisai izvi kundudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.

17. Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha.

18. “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”

19. Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.

20. Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Kamwe kamwe, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki,

21. Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 4