Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 4:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.

5. “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti, ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti:‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’

6. Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.”

7. Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 4