Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 4:23-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.

24. Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya.

25. Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.

26. Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa.

27. Zvanzi naJehovha, “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.

28. Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”

29. Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.

30. Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, nokushonga zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.

31. Ndiri kunzwa kuchema sokwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sokwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 4