Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 4:19-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.

20. Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Kamwe kamwe, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki,

21. Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?

22. “Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.”

23. Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.

24. Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya.

25. Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.

26. Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa.

27. Zvanzi naJehovha, “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.

28. Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”

29. Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.

30. Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, nokushonga zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 4