Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 4:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”

13. Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara!

14. Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?

15. Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.

16. “Zivisai izvi kundudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.

17. Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha.

18. “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”

19. Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.

20. Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Kamwe kamwe, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki,

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 4