Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 37:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Kunyange zvakadaro, mambo Zedhekia akatuma Jehukari mwanakomana waSheremia, nomuprista Zefania mwanakomana waMaaseya kuna Jeremia muprofita namashoko aya: “Ndapota tinyengetererewo kuna Jehovha Mwari wedu.”

4. Zvino Jeremia akanga akasununguka kupinda nokubuda pakati pavanhu, nokuti akanga asati apfigirwa mutorongo.

5. Hondo yaFaro yakanga yauya ichibva kuIjipiti, zvino vaBhabhironi vakanga vakakomba Jerusarema vakati vanzwa shoko pamusoro pavo, vakabva paJerusarema.

6. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita, richiti,

7. “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udza mambo weJudha, iye akakutuma kuzondibvunza, kuti, ‘Hondo yaFaro yakauya kuzokubatsirai, ichadzokera kuIjipiti kunyika yavo.

8. Ipapo vaBhabhironi vachadzokazve vagorwisa guta rino; vacharikunda vagoripisa nomoto.’

9. “Zvanzi naJehovha: Musazvinyengera muchifunga kuti, ‘Zvirokwazvo vaBhabhironi vachabva kwatiri.’ Kwete, havangabvi!

10. Kunyange dai mungakunda hondo yose yavaBhabhironi iri kukurwisai uye kugosara vakakuvara bedzi mumatende, ivavo vachauya vakapisa guta rino.”

11. Shure kwokubva kwehondo yavaBhabhironi muJerusarema nokuda kwehondo yaFaro,

12. Jeremia akatanga kubuda muguta kuti aende kunyika yeBhenjamini kundotora mugove wake wenhaka pakati pavanhu ikoko.

13. Asi akati asvika paSuo raBhenjamini, mukuru wavarindi, ainzi Irija mwanakomana waSheremia, mwanakomana waHanania, akamusunga ndokuti, “Iwe wava kutiza uchienda kuvaBhabhironi!”

14. Jeremia akati, “Handizvo, kwete! Handizi kutiza ndichienda kuvaBhabhironi!” Asi Irija haana kuda kumunzwa; asi akasunga Jeremia ndokumuendesa kumachinda.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 37