1. Zedhekia mwanakomana waJosia akagadzwa kuva mambo weJudha naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi; iye akabata ushe panzvimbo yaJehoyakini mwanakomana waJehoyakimi.
2. Asi iye kana varanda vake kana vanhu venyika iyoyo, havana kuteerera mashoko akanga ataurwa naJehovha kubudikidza naJeremia muprofita.