Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 36:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Vakati vaisa rugwaro rwakapetwa mukamuri yomunyori Erishama, vakaenda kuna mambo muruvazhe ndokumuzivisa mashoko ose.

21. Mambo akatuma Jehudhi kundotora rugwaro rwakapetwa, Jehudhi ndokurutora mukamuri yaErishama munyori ndokuverengera mambo namachinda ose akanga amire parutivi rwake.

22. Wakanga uri mwedzi wechipfumbamwe uye mambo akanga akagara muimba yakavakirwa nguva yechando, moto uchipfuta mumbaura yaiva pamberi pake.

23. Jehudhi aiti kana apedza kuverenga zvikamu zvitatu kana zvina zvorugwaro rwakapetwa, mambo aibva azvicheka nebanga ozvikanda mumbaura, kusvikira gwaro rose rapiswa mumoto.

24. Mambo navaranda vake vose vakanzwa mashoko aya ose havana kumboratidza kutya, kana kubvarura nguo dzavo.

25. Kunyange hazvo Erinatani, Dheraya, naGemaria vakakurudzira mambo kuti arege kupisa rugwaro rwakapetwa haana kuda kuvanzwa.

26. Pachinzvimbo chezvo, mambo akarayira Jerameeri, mwanakomana wamambo, naSeraya mwanakomana waAzirieri naSheremia mwanakomana waAbhudhieri kuti asunge Bharuki munyori naJeremia muprofita. Asi Jehovha akanga avaviga.

27. Mambo akati apisa rugwaro rwakapetwa rwaiva namashoko akanga anyorwa naBharuki achitaurirwa naJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

28. “Tora rumwe rugwaro rwakapetwa unyore pamusoro parwo mashoko ose akanga ari parugwaro rwokutanga rwuya rwakapiswa naJehoyakimi mambo weJudha.

29. Uyezve uudze Jehoyakimi mambo weJudha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wakapisa rugwaro rwuya uchiti, “Wakanyorerei parwuri uchiti zvirokwazvo mambo weBhabhironi achauya kuzoparadza nyika ino nokuparadza zvose vanhu nezvipfuwo?”

30. Naizvozvo, zvanzi naJehovha pamusoro paJehoyakimi mambo weJudha: Haangawani mumwe achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi; mutumbi wake uchakandwa kunze kunopisa masikati uye kune chando usiku.

31. Ndichamuranga navana vake uye navaranda vake nokuda kwezvakaipa zvavo; ndichauyisa pamusoro pavo navose vanogara muJerusarema navanhu veJudha njodzi imwe neimwe yandakareva pamusoro pavo, nokuti havana kuteerera.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 36