Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 34:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokunge Mambo Zedhekia, aita sungano navanhu vose vemuJerusarema kuti vadanidzire kusunungurwa kwenhapwa.

9. Mumwe nomumwe aifanira kusunungura varanda vake vechiHebheru, vose varume navakadzi; hakuna aifanira kurega hama yake yechiJudha iri pausungwa.

10. Saka machinda ose navanhu vose vakapinda pasungano iyi, vakatenderana ndokuvasunungura.

11. Asi mushure maizvozvo vakashandura pfungwa dzavo, vakadzosa nhapwa dzavakanga vasunungura ndokuvaita varanda zvakare.

12. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

13. “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Ndakaita sungano namadzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti, munyika youranda. Ndakati,

14. ‘Gore rechinomwe roga roga, mumwe nomumwe wenyu anofanira kusunungura hama ipi zvayo yechiHebheru yakazvitengesa kwauri. Mushure mokukushandira makore matanhatu, unofanira kumuregedza aende. Kunyange zvakadaro, madzibaba enyu, haana kunditeerera kana kundirerekera nzeve dzavo.

15. Izvozvi matendeuka mukaita zvakanaka pamberi pangu: Mumwe nomumwe wenyu akadanidzira rusununguko kuvanhu venyika yokwake. Makabva maita sungano pamberi pangu muimba inodanwa neZita rangu.

16. Asi zvino mashanduka ndokuzvidza zita rangu; mumwe nomumwe wenyu adzosa nhapwa dzavarume navakadzi vamakanga masunungura kuti vaende kwavaida. Makavamanikidza kuti vave nhapwa dzenyu zvakare.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 34